Acts 8

Sauro anoshusha vatendi

1Zvino Sauro wakange achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vese ndokuparadzirwa kunyika dzese dzeJudhiya neSamaria, kunze kwevaapositori. 2Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru. 3Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda muimba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo.

Firipi anoparidza paSamaria

4Naizvozvo avo vakange vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko. 5Firipi ndokuburukira kuguta reSamaria, akaparidza Kristu kwavari. 6Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, pavakanzwa nekuona zviratidzo zvaaiita. 7Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vakange vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa. 8Zvino kwakava nemufaro mukuru muguta iro.

Simoni n'anga

9Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un'anga paguta, achishamisa rudzi rweSamaria, achizviti munhu mukuru; 10wavaiteerera vese kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari. 11Zvino vaimuteerera, nokuti wakange avashamisa neun'anga nguva refu. 12Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vese varume nevakadzi. 13NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa. 14Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani; 15ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene; 16nokuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete. 17Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene. 18Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akavavigira mari, 19achiti: Ndipei neni simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene. 20Asi Petro wakati kwaari: Sirivheri yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nokuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari. 21Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari. 22Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemoyo wako uukanganwirwe. 23Nokuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi. 24Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu zvamataura chingawira pamusoro pangu. 25Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yeVaSamaria.

Firipi nemuranda waKandase

26Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje. 27Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira murume weEtiopia, mutenwa, gurukota guru raKandase mambokadzi weVaEtiopia, waiona nezvefuma yake yese, uye wakange auya kuJerusarema kuzonamata, 28wakange achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya. 29Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyi. 30Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here? 31Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye. 32Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatungamirirwa segwai rinoenda kunobaiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. 33Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani acharondedzera zera rake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika. 34Mutenwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita anoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo? 35Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu. 36Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; mutenwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa? 37Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wese, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari. 38Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemutenwa; ndokumubhabhatidza. 39Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; mutenwa ndokusazomuonazve; nokuti wakafamba nenzira yake achifara. 40Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri kumaguta ese, kusvikira asvika paKesariya.

Copyright information for Shona